Home Music & Dance Mainline Music Famba Zvakanaka Sam Mtukudzi


Famba Zvakanaka Sam Mtukudzi Print E-mail
Music & Dance - Mainline Music
Thursday, 18 March 2010 11:05

The deaths of young musician Sam Mtukudzi and his friend Owen Chimhare, have touched people from all walks of life, from The President and Prime Minister of Zimbabwe (who both sent Condolence messages to the Mtukudzi family, with the latter personally visiting their home) to young school children some of whom were among the thousands at the Funeral yesterday.

Tendai Nyanhazi, a domestic employee based in Harare, was so moved by the whole event that she asked for time off work so that she could attend the funeral yesterday and then went on to write this account (in Shona) of the events that have dominated Zimbabwe’s media for the last three days:


“Ruva rakanaka harirame rinotanhwa nenguva pfupi, Munhu akanaka haararame anotama nenguva pfupi”


Zvinosiririsa sei mhuri yeZimbabwe kusiiwa nemwana achine mukaka pamhuno. Apa ndinobva ndanzwisisa kuti Baba vake vaiedza kurevei uye zvinorevei muupenyu hwemunhu mumwe nemumwe wedu? Samson Mutukudzi gotwe uye ari mwakomana mumwechete wa Oliver na Daisy Mtukudzi nderimwe reruva ranga richangotanga kuyevedza rabva radamburwa tinoti mweya wake ngauzorore murugare.

Ndinonzwisisa Sam semwana akange achangotanga zvemimhanzi zvinhu zvaimunakaidza sei uye kuti ainge achitarisira zvinhu zvikuru mukati meupenyu hwake . Kuyemura kwaaita zvakange zvichiitwa naababa vake ndezvimwe zvezvinhu zvaigona kuramba zvichimusimudzira mune zvemimhanzi yake.

Tikatarisa gore rino ainge avakutarisira kutsikisa dambarefu rake rechipiri iro raizove nemukurumbira zvekare muupenyu hwake asi zvisinei kutonga kwaMwari kunoshamisa uye tinonzwisisa kuti anoita chimwe nechimwe vanechikonzero .

Pane kutaura kunoti “chada moyo hamba yakada makwati” inotiburitsira pachena nezvechipo chaSam. Baba vaSamson, VaMutukudzi vanotaura pamusoro paSam vachiti mwana akakura achifarira zvemimhannzi. Ivo sevabereki vakange vane chishuwo chekuti Sam ave Mutyairi wendege asi mumoyo waSam kwaive kutandanisana nemhepo. Mwana akaramba akabatirira pachinhu chimwechete vakaedza nepese pavaigona kumudzivisa asi zvakakona n’anga murapwa achida. Zvishoma nezvishoma chipo chake changa chabuda pachena zviri zvinhu zvainge zvavakufadza mhuri yese yeZimbabwe.

Chechipiri ndadzidza kuzvininipisa kumhuri yekwaMutukudzi. Dai yakange irimhuri isingasvikirike hapana munhu aikwanisa kuswedera pedyo navo asi ndaona kuti kunyangwe ani nani anzwa achibatikana nekurasikirwa kwavaitwa neruva ravo kurwadziwa kwavo kwabata mhuri yese yweZimabwe.

Taona kuti vemimhanzi vemazera akasiyana siyana vanoziva mhuri nevaingonzwa  vese vafamba nekutyaira kuonekekana naSam karikekutanga kuvaneruzhinji rwevanhu vainge vakaita ivhu nemararara pamuzinda unonzi Pakare Paye wakavakwa zvinonwisa mvura unobata nekudzidzisa upenyu hwemumwe nemumwe anoda kupinda munezvemafaro . Zvinhu zvikuru zvakanaka zvinoshamisa zvinoitwa nemhuri yekwaMutukudzi [Kuzvininipisa kunepundutso].

Tinoona kuti hushamwari hwaSam naOwen hwaive hwemukombe nechirongo, uye hushamwari uhwu hwaparadzaniswa nerufu uye hwaibatanidza mhuri mbiri idzi vekwa Chimhare nevekwaMutukudzi. Dai kubatana kwavaita zvaramba zvakadaro kunyangwe vaviri ava vazorora  pamwechete. Dai mweya yavo ikazorora murugare.

Rufu mutemo waMwari. Tinobva panyika nenzira dzakasiyana siyana. Hakuna anoziva kuti achasiya nyika nenzira ipi, asi kungogara basi takagadzirira mweya yedu. Tinogona kutaura zvatinofunga nenzira dzakasiyana siyana asi kana achinge atonga anenge atonga.

Ndinoda hangu kutenda Zimbabwe yese nerutsigiro rwavapa kumhuri yekwaMutukudzi yatorerwa ruva ranga richangotanga kuyevedza zvinhu zvinorwadza asi yadeuka yadeuka haiorerwi. Ku Mhuri yekwaMutukudzi neyekwa Chimhare tinoti chemai muinetariro nekuti nerimwe zuva tichasangana navo.

Kuna Owen naSam tinoti Zororai Murugare.

- Tendai Nyanhazi for The Zimbo Jam



Share this page...



Comments
Add New Search
+/-
Write comment
Name:
Email:
 
Website:
Title:
 
:D:):(:0:shock::confused:8):lol::x:P:oops::cry:
:evil::twisted::roll::wink::!::?::idea::arrow:
 
Please input the anti-spam code that you can read in the image.
Stanley  - Famba Zvakanaka Sam   |2010-03-18 08:05:50
Sad. Thanx Tendai.
Stanley  - Famba Zvakanaka Sam   |2010-03-18 08:08:38
Why would someone take a photo of a dead person on a mobile phone? What
for? The guy in white shirt, why?
cynthia   |2010-03-19 01:45:13
some people just don't it...such a sad moment,he actually had the guts
Ndatenda  - Mutauro wakakosha   |2010-03-18 08:29:35
Pane mazwi asingabudiki ne chirungu panguva yakadai. Maita basa nekunyora
kwamaita nekuti zvabata pamwe pange pachisarira nekuda kwemutauro. Ndatenda
hangu! Moyo wenyu wetsitsi unokurudzirwa. Mukomborerwe nekusingaperi.
Nyarai   |2010-03-18 09:27:56
Nyaya yemaphone yakakonzeresa uku. Mapikicha ezvitunha sure
Sherley  - RIP   |2010-03-18 09:35:21
zorora murugare Sam naOwen tirikurwadzia zvikuru nekutisiya kwenyu. Thank you
Tendai for the Shona version
Anonymous   |2010-03-18 10:49:24
Vamwe vanhu kushaya humhu kutora mapikitya pafoni evanhu vakazorora. PPle should
just rest kani.
andy  - fambai zvakanaka   |2010-03-18 11:41:05
waitazvako Tendai ,nekuperekedza vakomana vaviri ava nemashoko akoo,,anobata
moyo,,,,,,,,kune avo vari kupikisana nekutora ma photos pa rufu handione pane
chakaipa apa,handizive kuti ,rudo rwedu nehama dzedu kana dzashaya,harufanirwe
kuoneka here,,murangarirezve kuti iyi ndiyoo nguva yokupedzesera kuonana
navoo,saka ini handione pane chakaipa apa,,,,,,,,,
Munyaradzi   |2010-03-18 13:47:12
“Ruva rakanaka harirame rinotanhwa nenguva pfupi, Munhu akanaka haararame
anotama nenguva pfupi”
cynthia  - ZVAKARWADZA   |2010-03-19 01:48:43
Misodzi kuyerera....zvakarwadza uye zvichiri kurwadza...u think it's some
story being told,but like wat Tendai said mwari anoziva....
Stuart Moyo  - Mr.   |2010-03-19 10:12:19
Its sad that God had to take away such talent and maturity... But NdiMwari
anoziva. Sam Rest in Peace...
Mr Bee  - The Guy in a white shirt   |2010-03-19 13:22:14
I honestly dont know why he needs such a pic on his mobile. I was scared to look
at the coffins myself. I dont know kuti photo iyoyo achaiidii ? He is not even
showing remorse. The families need respect and privacy , no wonder why varungu
actually invite pple for a funeral.
Christabelle Munjanja  - MR Bee whats wrong with YOU   |2010-03-23 05:21:45
I think some of you people are getting too emotional about this funeral. What
is wrong in taking photos of the dead. This is history. I have pics of my
parents in their coffin and a video for that matter. What is wrong with that.
Don't bring your foolish culture or tradition and impose it on everyone else.
Zimbabwe boasts of cultural diversity and what may seem odd to one person may be
normal to the other. I remember when my dad passed on, we we his children were
dressed so well that day in our best kumusha kuBuhera.Word went around that we
were celebrating his death and not weeping. Death to me is celebration of a
person who has moved from one realm to another. Of course Sam's death was so
tragic and left us all speechless. But just look at the fashion that was
displayed by mourners. Why were they not dressed like the mourners the villagers
want to see? Let us move with time and adopt some cultures that are positive.
Pict...
Yollanda   |2010-03-24 10:31:52
Dzangova ndangariro chokwadi. Kumhuri yekwaMutukudzi neyekwaChimhare ndinoti
Mwari vekudenga ndivo voga vanogona kurapa maronda makuru mukati memwoyo yenyu.
Zvinorwadza zvikuru kwazvo.

3.26 Copyright (C) 2008 Compojoom.com / Copyright (C) 2007 Alain Georgette / Copyright (C) 2006 Frantisek Hliva. All rights reserved."

 

From the Picture Archives

Young fashionistas

Young fashionistas pictured at a youth jam in Harare. Click read more for bigger picture.

Read more...




The Zimbo Jam- Winner of the  Outstanding Online Arts Publisher Award- NAMA 2010

Jam on Twitter

African music- Youtube playlist of MOAMAs 2010 African song of the year: Nominees were Bumper to bumper – Wande Co... http://bit.ly/cR2fpN
African music- Youtube playlist of MOAMAs 2010 African music video of the year: Nominees were Breathe – D-Black & ... http://bit.ly/ck5yRf
Escucho cómo explican que es twitter.
Hola comemos en la tasca y a nadie le interesa. Esto es twitter.
first
  
last
 
 
start
stop
ZIMFAIA 2010
ZIMFAIA 2010!

Zimbo Jam on Facebook

The Zimbo Jam on Facebook

This Month's Celeb Birthdays

Dudzai Mureyi - 08 July
Zimbabwean participant in the winning team of Imagine Afrika 2008 show and a pharmacy student at the UZ.
Do you know a Zimbabwean celeb born this month? Tell us about it and let's celebrate each other like there's no tomorrow!